Murume wekuzvipisira mumba kuSilobela


Mushakabvu Nomias Mangena 14 Mar 24

Click here to watch video

Muchiitiko chakasiya vazhinji vasina romuromo mumwe murume kuSilobela anofungirwa kuti akapisa chitoro chake naye akazozvipisirawo mumba.

Mushakabvu Nomias Mangena ari kufungidzirwa kuti nemusi wemugovera 09 Kurume 2024 pakati pousiku akazvipisira mumba nechikonzero chisati chozivikanwa.

Murume uyu aive muzvinabhizimusi panzvimbo yeLoreto Business Centre anonzi akatenga peturo iyo yaanofungidzirwa kuti akashandisa kutungidza chitoro chake icho chaive nemidziyo inokosha zviuru zvemadhora.

Mushure mezvo akazoenda kumba kwake uko anonzi akasvikoita zvimwe chetezvo ,asi mudzimai nevana vake vakakwanisa kupukunyuka njodzi iyi.

Panguva yekunyora nyaya iyi hatina kukwanisa kuwana mashoko ekutsinhidzira chiitiko ichi kubva kumutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands.

Mushakabvu ari kutarisirwa kurwadzikwa nhasi 13 Kurume 2024 kuZvishavane.